CJ MUKUDZEI Mai nenyasha cover art

CJ MUKUDZEI Mai nenyasha

M
Mukudzei Libombo

Создано май 28, 2026

Тексты

Amai vevana tinokanganisirana ASI Tino regererana ane nyasha tinoresverana ASI tinoregererana

baba vevana tinokanganisirana ASI Tino regererana nhai baba vanenyasha Tino resverana ASI tinoregererana


zvino zvawafunga kuenda amai vanenyasha nenya achiri mudiki paanokurawo umuudze kuti una baba

zvino zvawaramba tigadzirisane nenyasha achiri mudiki paanokura umuudzewo kuti una baba ufambe zvakanaka amai vanenya kana uchinge wandufungawo seniwo baba vanenyasha uuye uzondiona ASI usasiyewo nenyasha ambuya vake vaodakuona iye nenyasha


ASI amai vevana ingava mhosva yakakura sei Tino regererana zvawafunga mwana Akure tisingaonane ASI ndinokumbira umuudze kuti una baba zvisazomunetsa muneramangwana


unoziva panyika hapazi pedu tinoenda tinosiya vana chandinokumbira nenyasha azokurawo achiziva dzinza rake baba vake zvese nemutupo wake ramangwana asazochemawo newe


zvinonakidza mwana agokurawo achizivawo dzinza rakere handidi Akure achingo demba ndinoziva vanamai mune moyo wakaoma kuramba murume wonyimamwana nemutupo wake baba vake zvese nedzinza rake wokura achidamwa nemutupo wako amai vevana musadaro




inga ini ndinozviziva takatadzirana izu vabereki vake ASI tisazoomesera pamwe chete nevana.



















Ngaazivewo dzinza rake mwana uyo ngaazivewo mutupo wake mwana uyo ngaazivewo kwaanobva mwana uyo ngaazivewo hamadzake mwana uyo ngaazivewo ambuya vake mwana uyo agozivawo baba vake mwana uyo chero baba vake ririrombe renyika chero baba vake vari murombo chaiye



izvi zvinorema kukura mwana achinetseka abvunzewo amai baba vangu varipi ndinoda kuziva kwandinobva kudamwa nemutupo wamai kutambura kudai zvimwe baba vangu ishoroma Havana kuramba kundirera ASI amai makavaudza kuti mwana aasiri wako

ASI zvongoda imi amai mubudire baba pachena muvape Simba rekundirerawo



amai venenyasha wooo wakandiudza magara moyo wangu wakati nditerere murume wangu neurombo hwauri nahwo unofunga ndingaroorwa newe chitokanwa zvako nezvangu kana Ari nenya atori nababa vakewo

ndino ziva kwaiva kutsamwa amai vevana ndipewo mwana ndichengete rangarira nhamo yatakaona kuti tizove nanenya handaisarara ini husiku hwese ndichifamba Kun"anga maporofita ese takapedza ndeupi muti usingatizive nhai amai mwana nderipi gwenzi risingandizive



mushonga nedzimwe dzino uraya ndaitenda zuva ndariona ramangwana chinagwa chedu kwaiva kutsvaga mwana